TSAMBA YECHITATU

YAJOHWANI

3 John

Kwaziso

1Mukuru, kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.

Gayo anorumbidzwa

2Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvese kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya wako uchibudirira. 3Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi. 4Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi. 5Mudikanwi, unoita nekutendeka zvese zvaunobata kuhama nekuvaeni, 6vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari. 7Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni. 8Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.

Dhiotirefe anopiwa mhaka. Dhemetrio anorumbidzwa

9Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri. 10Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke. 11Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari. 12Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevese, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.

Kuonekana

13Ndakange ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni; 14asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita.

Copyright information for Shona